Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 51

Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki

Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki

Kunyika yeSiriya kwaiva nemumwe musikana mudiki wechiIsraeri uye ikoko kwaiva kure chaizvo nekumba kwavo. Musikana wacho akanga abiwa kubva kumhuri yavo nemasoja eSiriya, uye akanga ava muranda wemudzimai wemumwe mukuru wemasoja ainzi Naamani. Musikana wacho ainamata Jehovha kunyange zvazvo vanhu vaiva ikoko vaisanamata Jehovha.

Naamani akarwara nechirwere chemaperembudzi uye aigara achirwadziwa. Musikana wacho aida chaizvo kubatsira Naamani. Akaudza mudzimai waNaamani kuti: ‘Pane munhu wandinoziva anogona kuporesa murume wenyu. KuIsraeri kune muprofita waJehovha anonzi Erisha. Anogona kurapa murume wenyu.’

Mudzimai waNaamani akaudza murume wake zvakanga zvataurwa nemusikana wacho. Naamani aida kuita chero chii zvacho chaigona kumuporesa, saka akaenda kumba kwaErisha kuIsraeri. Naamani aitarisira kuti Erisha aizomugamuchira semunhu anoremekedzwa. Asi Erisha haana kutombotaura naye asi akatuma mushandi wake kuti anokwazisa Naamani uye kuti amuudze kuti: ‘Enda unogeza ka7 muRwizi rwaJodhani. Uchabva wapora.’

Naamani haana kufara nazvo. Akati: ‘Ndanga ndichifunga kuti muprofita uyu achandirapa achiita zvekushevedzera kuna Mwari wake achiisa maoko ake pandiri. Pane kudaro, anditi ndiende kurwizi urwu rwuri kuIsraeri. Tine nzizi dzitori nani kuSiriya. Ko ndikangoenda hangu ikoko?’ Naamani akatsamwa ndokubva pamba paErisha.

Vashandi vaNaamani vakamubatsira kuti agadzirise mafungiro ake. Vakati kwaari: ‘Kana muchida kupora handiti munotoita chero zvamunenge maudzwa? Zvamanzi muite nemuprofita uyu hazvina kana kumbooma. Madii kungoita zvaataura?’ Naamani akavateerera. Akabva aenda kurwizi rwaJodhani uye akazvinyudza imomo ka7. Paakabuda mumvura kechi7, Naamani akanga apora. Akafara chaizvo, uye akadzokera kunotenda Erisha. Naamani akati: ‘Iye zvino ndava kuziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.’ Unofunga kuti musikana wechiIsraeri akanzwa sei Naamani paakadzoka aporeswa?

“Makaita kuti mumiromo mevana nemevacheche mubude mashoko ekurumbidza.”​—Mateu 21:16