Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 52

Uto raJehovha Remoto

Uto raJehovha Remoto

Mambo weSiriya, Bheni-hadhadhi akaramba achingorwisa vaIsraeri. Asi pese pazvaiitika, muprofita Erisha ainyevera mambo, uye mambo aibva atiza. Saka Bheni-hadhadhi akafunga kubata Erisha nechisimba. Akaudzwa kuti Erisha akanga ari muguta reDhotani, saka akabva atuma masoja eSiriya kuti aende ikoko kunomubata.

VaSiriya vakasvika kuDhotani usiku. Mangwana acho mangwanani, mushandi waErisha akabuda panze akaona kuti guta rakanga rakakombwa nemasoja akawanda eSiriya. Akatya chaizvo uye akabva ashevedzera kuti: ‘Erisha, toita sei?’ Erisha akamuudza kuti: ‘Vari kwatiri vakawanda kupfuura vari kwavari.’ Panguva iyoyo, Jehovha akabva aita kuti mushandi waErisha aone kuti makomo ese aiva pedyo neguta, akanga akazara nemabhiza nengoro dzehondo dzemoto.

Masoja eSiriya paakaedza kubata Erisha, iye akabva anyengetera achiti: ‘Jehovha, ndapota itai kuti vasaone.’ Panguva iyoyo, kunyange zvazvo masoja acho akanga achiona, iwo akatadza kuziva kuti ainge ari kupi. Erisha akaudza masoja acho kuti: ‘Muri muguta risiri iro. Nditeverei, ndichakuendesai kune murume wamuri kutsvaga.’ Vakabva vatevera Erisha vakaenda kuSamariya, uko kwaigara mambo weIsraeri.

Vatosvika kuSamariya, vaSiriya ndipo pavakazoziva kwavaiva. Mambo weIsraeri akabvunza Erisha kuti: ‘Ndivauraye here?’ Ndizvo here kuti Erisha akabva ati dzawira mutswanda? Aiwa. Pane kudaro, Erisha akati: ‘Musavauraya. Vapei zvekudya muvarege vachienda.’ Saka mambo akabva avaitira mabiko makuru akabva avarega vachienda.

“Ichi ndicho chivimbo chatiinacho kwaari, kuti pasinei nezvatinokumbira maererano nekuda kwake, iye anotinzwa.”​—1 Johani 5:14