Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 53

Kushinga kwaJehoyadha

Kushinga kwaJehoyadha

Jezebheri aiva nemwanasikana ainzi Atariya, uyo aiitawo zvakaipa saamai vake. Atariya ainge akaroorwa namambo weJudha. Murume waAtariya paakafa, mwanakomana wake ndiye akanga ava kutonga. Asi mwanakomana wacho paakafa, Atariya akabva azviita mutongi weJudha. Akaedza kuparadza vana vese veumambo, achiuraya munhu wese aigona kutora chinzvimbo chake, kunyange vazukuru vake chaivo. Vanhu vese vaimutya.

Mupristi mukuru ainzi Jehoyadha nemudzimai wake, Jehoshebha, vaiziva kuti zvaiitwa naAtariya zvakanga zvakaipa chaizvo. Vakaita zvinhu zvaigona kuvaurayisa. Vakaviga mumwe wevazukuru vaAtariya akanga achiri mucheche, ainzi Jehoashi. Vakamurerera patemberi.

Jehoashi paakanga ava nemakore 7, Jehoyadha akaunganidza machinda nevaRevhi akavaudza kuti: ‘Garai pamadhoo etemberi uye musabvumira chero munhu kuti apinde.’ Jehoyadha akabva agadza Jehoashi kuti ave mambo weJudha, achibva aisa korona mumusoro make. Vanhu vemuJudha vakabva vadaidzira kuti: ‘Mambo ngaararame!’

Mambokadzi Atariya akanzwa ruzha rwaiitwa nevanhu akabva amhanya kutemberi. Paakaona mambo wacho mutsva, akadaidzira kuti: ‘Ndapandukirwa! Ndapandukirwa!’ Machinda acho akabva abata mambokadzi uyu akaipa, ndokuenda naye, achibva amuuraya. Ko zvakaipa zvaiitwa nevaIsraeri nemhaka yaAtariya zvaizogadziriswa sei?

Jehoyadha akaita kuti vaIsraeri vaite chibvumirano naJehovha, vachivimbisa kuti vaizonamata Jehovha chete. Jehoyadha akaita kuti vaparadze temberi yaBhaari uye vapwanye zvidhori zvaivamo. Akagadza vapristi nevaRevhi kuti vashande patemberi kuitira kuti vanhu vatangezve kunamatira ipapo. Akaita kuti pagedhi retemberi pachengetedzwe kuitira kuti pasava nemunhu asina kuchena anopinda. Jehoyadha nemachinda vakabva vaenda naJehoashi kumuzinda wamambo vakabva vamuisa pachigaro choumambo. Vanhu vemuJudha vakafara chaizvo. Vakanga vava kushumira Jehovha vasisakanganiswi nekunamatwa kwaBhaari uye naAtariya uyo aiita zvakaipa. Waona here kuti kushinga kwaJehoyadha kwakabatsira sei vanhu vakawanda?

“Musatya vaya vanouraya muviri vasingagoni kuuraya mweya; asi ityai iye anogona kuparadza mweya nemuviri muGehena.”​—Mateu 10:28