Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 58

Jerusarema Rinoparadzwa

Jerusarema Rinoparadzwa

Vanhu vemuJudha vairamba vachisiya Jehovha vobva vatanga kunamata vanamwari venhema. Kwemakore akawanda, Jehovha aiedza kuvabatsira. Akatuma vaprofita vakawanda kuti vavanyevere, asi havana kuteerera. Vaitotsvinyira vaprofita vacho. Jehovha akagumisa sei kunamata zvidhori kwavaiita?

Mambo weBhabhironi ainzi Nebhukadhinezari, akanga achikunda nyika dzakawanda. Paakakunda Jerusarema kekutanga, akatapa machinda, masoja, varume vaiva neunyanzvi hwakasiyana-siyana naMambo Jehoyakini, akaenda navo vese kuBhabhironi. Akatorawo pfuma yese yaiva mutemberi yaJehovha. Zvadaro, Nebhukadhinezari akagadza Zedhekiya kuti ave mambo weJudha.

Zedhekiya akambotanga achiteerera Nebhukadhinezari. Asi vanhu venyika dzakanga dziri pedyo uye vaprofita venhema vakakurudzira Zedhekiya kuti apandukire Bhabhironi. Jeremiya akamunyevera kuti: ‘Kana ukapanduka, munyika yeJudha muchaurayiwa vanhu, muchava nenzara uye muchava nezvirwere.’

Paakanga atonga kwemakore 8, Zedhekiya akafunga kupandukira Bhabhironi. Akakumbira masoja eIjipiti kuti amubatsire. Nebhukadhinezari akabva atumira masoja ake kuti arwise Jerusarema, uye masoja acho akabva akomba guta racho. Jeremiya akaudza Zedhekiya kuti: ‘Jehovha ati kana ukasarenda, hapana chinoparadzwa, zvese iwe neguta racho. Asi kana ukaramba, vaBhabhironi vachapisa Jerusarema, uye vachakutora vokuvharira mujeri.’ Zedhekiya akabva ati: ‘Handisi kuzosarenda!’

Papera gore nehafu, masoja ekuBhabhironi akapwanya masvingo eJerusarema ndokupisa guta racho. Vakapisa temberi, vakauraya vanhu vakawanda uye vakaisa zviuru zvevanhu mujeri.

Zedhekiya akatiza muJerusarema, asi vaBhabhironi vakamutevera. Vakazomubata ava pedyo neJeriko vakaenda naye kwaiva naNebhukadhinezari. Mambo weBhabhironi akaita kuti Zedhekiya aone vanakomana vake vachiurayiwa. Nebhukadhinezari akabva atushura maziso aZedhekiya, ndokumuvharira mujeri, umo maakazofira. Asi Jehovha akavimbisa vanhu veJudha kuti: ‘Kana makore 70 apera, ndichakudzosai kumusha kwenyu kuJerusarema.’

Chii chaizoitika kune vechidiki vakanga vasungwa vakaendeswa kuBhabhironi? Vaizoramba vakavimbika kuna Jehovha here?

“Jehovha Mwari, Wemasimbaose, mitongo yenyu ndeyechokwadi uye yakarurama.”​—Zvakazarurwa 16:7