Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 61

Havana Kuchipfugamira

Havana Kuchipfugamira

Papera nguva yakati kuti kubva paakarota chifananidzo, Mambo Nebhukadhinezari akagadzira chidhori chihombe chegoridhe. Akachimisa mubani reDhura uye akabva ashevedza vanhu vairemekedzwa vemunyika yacho, kusanganisira Shadreki, Misheki naAbhedhinego kuti vaungane pamberi pacho. Mambo akarayira kuti: ‘Panguva yamunonzwa kurira kwehwamanda, rudimbwa, nemutengeranwa, ibvai mapfugamira chifananidzo chacho! Munhu wese asiri kuzochipfugamira achakandwa muvira remoto.’ VaHebheru vatatu ivavo vaizopfugamira chifananidzo chacho here kana kuti vaizonamata Jehovha chete?

Zvadaro mambo akabva arayira kuti mumhanzi uridzwe. Vanhu vese vakabva vawira pasi vakanamata chifananidzo chacho, kunze kwaShadreki, Misheki naAbhedhinego. Vamwe varume vakazviona uye vakabva vaudza mambo kuti: ‘VaHebheru vatatu avo varamba kunamata chifananidzo chenyu.’ Nebhukadhinezari akavashevedza akati kwavari: ‘Ndichakupai mumwe mukana wekuti munamate chifananidzo chacho. Kana mukaramba, ndinokukandai muvira remoto. Hapana mwari anogona kukununurai kubva kwandiri.’ Ivo vakapindura kuti: ‘Hatisi kuda mumwe mukana. Mwari wedu anogona kutinunura. Asi chero akasatinunura, haiwa mambo, hatisi kuzonamata chifananidzo chacho.’

Nebhukadhinezari akagumbuka chaizvo. Akabva audza vashandi vake kuti: ‘Itai kuti moto wacho upise zvakapetwa ka7 kupfuura zvaunogara uchiita!’ Akabva arayira masoja ake kuti: ‘Sungai varume ava, muvakande mumoto!’ Vira racho raipisa chaizvo zvekuti masoja paakangosvika pedyo naro akabva angofa ipapo ipapo. VaHebheru vatatu vacho vakabva vawira mumoto. Asi Nebhukadhinezari paakatarisa mukati mevira, akaona kuti makanga muine varume vana vaifamba-famba imomo, kwete vatatu. Akatanga kutya uye akabvunza machinda ake kuti: ‘Hatina kukanda varume vatatu mumoto here? Ndiri kuona varume vana uye mumwe wavo akaita sengirozi!’

Nebhukadhinezari akaswedera pedyo nevira remoto akashevedzera kuti: ‘Budai muuye pano imi vashumiri vaMwari Wekumusorosoro!’ Vanhu vese vakashamisika kuona Shadreki, Misheki naAbhedhinego vachibuda mumoto vasina kana kumbotsva. Ganda ravo, bvudzi ravo uye hembe dzavo dzakanga dzisina kutsva, uye vakanga vasingatombonhuwi utsi.

Nebhukadhinezari akati: ‘Mwari waShadreki, Misheki naAbhedhinego mukuru. Atumira ngirozi yake, akavanunura. Hakuna mumwe mwari akafanana naye.’

Wakatsunga kuramba wakavimbika kuna Jehovha chero zvodini sezvakanga zvakaita vaHebheru vatatu ivavo here?

“Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.”​—Mateu 4:10