Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 62

Umambo Hwakaita Semuti Muhombe

Umambo Hwakaita Semuti Muhombe

Rimwe zuva usiku, Nebhukadhinezari akarota hope dzaityisa. Akashevedza varume vake vakachenjera kuti vamuudze kuti dzairevei. Asi hapana kana mumwe chete wavo akakwanisa kudzitsanangura. Mambo akazopedzisira ataura naDhanieri.

Nebhukadhinezari akaudza Dhanieri kuti: ‘Ndakarota muti. Muti wacho wakabva wakura chaizvo zvekuti wakasvika kudenga. Waigona kuonekwa nemunhu ari chero kupi zvako. Waiva nemashizha akanaka nemichero yakawanda. Mhuka dzaiuya kuzozorora mumumvuri wawo uye shiri dzaivakira matendere adzo pamapazi awo. Pava paya, ngirozi yakaburuka kubva kudenga. Yakashevedzera kuti: “Rigai muti, muteme mapazi awo. Asi siyai chigutsa nemidzi yacho zviri muvhu, uye ngachisungwe nesimbi nemhangura. Mwoyo wemuti wacho uchachinja kubva pakuva wemunhu kuenda pakuva wemhuka, uye nguva 7 dzichadarika. Vanhu vese vachaziva kuti Mwari ndiye Mutongi uye kuti anogona kupa umambo kune chero munhu waanoda kuhupa.”’

Jehovha akaita kuti Dhanieri azive zvairehwa nehope dzacho. Dhanieri paakazviziva, akabva atanga kutya. Akati: ‘Haiwa mambo, ndinoshuva kuti dai hope dzacho dzaitika kune vavengi venyu, asi dzichaitika kwamuri. Muti wacho muhombe wakatemwa ndimi. Mucharasikirwa neumambo hwenyu, uye muchadya uswa semhuka yemusango. Asi sezvo ngirozi yakataura kuti chigutsa nemidzi yacho zvisiyiwe, muchazova mambo zvakare.’

Papera gore, Nebhukadhinezari akanga achifamba-famba hake padenga rakati sandarara remuzinda wake uye aiyemura zvakaita Bhabhironi. Akati: ‘Honai kunaka kweguta rino randakavaka. Handisi wekutamba naye ini!’ Paakanga achiri kutaura izvozvo, inzwi rakanzwika kubva kudenga richiti: ‘Nebhukadhinezari! Kubva nhasi hausisiri mambo.’

Panguva iyoyo, Nebhukadhinezari akabva atanga kupenga uye akaita semhuka yemusango. Akadzingwa pamuzinda wake uye akanogara nemhuka dzemusango. Bvudzi raNebhukadhinezari rakakura kuita semanhenga egondo uye nzara dzake dzakareba sedzeshiri.

Makore 7 paakapera, Nebhukadhinezari akazovazve munhu kwaye uye Jehovha akamuita mambo weBhabhironi. Nebhukadhinezari akabva ati: ‘Ndinorumbidza Jehovha Mambo wekumatenga. Iye zvino ndava kuziva kuti Jehovha ndiye Mutongi. Anoninipisa vanhu vanozvikudza uye anogona kupa umambo kune chero munhu waanoda.’

“Kuzvikudza kunotangira kuparara, uye kuzvitutumadza kunotangira kugumburwa.”​—Zvirevo 16:18