Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 63

Mashoko Akanyorwa Pamadziro

Mashoko Akanyorwa Pamadziro

Pava paya, Bheshazari akava mambo weBhabhironi. Rimwe zuva ari manheru, akakoka vanhu vaisvika chiuru vaiva nezvinzvimbo zvepamusoro munyika yacho kuti vauye kumabiko. Akarayira kuti vashandi vake vauye nekapu dzegoridhe dzakanga dzatorwa naNebhukadhinezari kutemberi yaJehovha. Bheshazari nevaenzi vake vakanwira mukapu dzacho, vakatanga kurumbidza vanamwari vavo. Vakangoerekana vaona ruoko rwemunhu, uye ruoko rwacho rwakabva rwatanga kunyora mashoko anoshamisa pamadziro emuimba yavaidyira.

Bheshazari akavhunduka. Akashevedza vanhu vake vaiita zvemashiripiti akavavimbisa kuti: ‘Munhu anenge akwanisa kutsanangura zvinorehwa nemashoko aya, ndichamuita wechitatu pakuva nesimba muumambo hweBhabhironi.’ Vese vakaedza, asi hapana kana akakwanisa kutsanangura zvairehwa nemashoko acho. Mambokadzi akabva auya, ndokuti: ‘Kune murume anonzi Dhanieri uyo aiwanzodudzira hope dzaNebhukadhinezari. Anogona kukutsanangurirai zvinorehwa nemashoko acho.’

Dhanieri akashevedzwa achibva auya kwaiva namambo. Bheshazari akati kwaari: ‘Kana ukakwanisa kuverenga nekutsanangura mashoko aya, ndinokupa chishongo chemuhuro chegoridhe uye ndichaita kuti uve wechitatu pakuva nesimba muumambo hweBhabhironi.’ Dhanieri akati: ‘Handisi hangu kuda zvipo zvenyu, asi ndichakuudzai zvinorehwa nemashoko acho. Baba venyu Nebhukadhinezari vaizvikudza, uye Jehovha akavaninipisa. Munoziva zvese zvakaitika kwavari, asi imi hamuna kuremekedza Jehovha nekuti manwira waini mukapu dzegoridhe dzakatorwa mutemberi yake. Ndizvo zvaita kuti Mwari anyore mashoko aya ekuti: MENE, MENE, TEKERI, uye PASINI. Mashoko acho anoreva kuti vaMedhiya nevaPezhiya vachakunda Bhabhironi, uye hamuchazovizve mambo.’

Zvaiita sekuti hapana nyika yaigona kukunda Bhabhironi. Guta racho rakanga rakadzivirirwa nemasvingo akakura uye nerwizi rwakadzika. Asi usiku ihwohwo, vaMedhiya nevaPezhiya vakauya kuzorwisa. Mambo wePezhiya ainzi Koreshi akatsausa mvura yaiva murwizi kuitira kuti masoja ake akwanise kupfuura kuti asvike pamagedhi eguta. Pavakasvika, vakawana magedhi akavhurika! Masoja acho akapinda, akakunda guta, achibva auraya mambo. Koreshi akabva ava mutongi weBhabhironi.

Gore risati rapera, Koreshi akazivisa kuti: ‘Jehovha akandiudza kuti ndivakezve temberi yake iri muJerusarema. Kana paine vanhu vake vanoda kunobatsira, vanogona havo kuenda.’ Saka sezvakanga zvavimbiswa naJehovha, vaJudha vakawanda vakadzokera kumusha kwavo papera makore 70 kubva pakaparadzwa Jerusarema. Koreshi akaendesa kapu dzegoridhe nedzesirivha uye midziyo zvakanga zvatorwa naNebhukadhinezari kutemberi. Waona here kuti Jehovha akashandisa sei Koreshi kubatsira vanhu vake?

“Rawa! Bhabhironi Guru rawa, uye rava nzvimbo inogarwa nemadhimoni.”​—Zvakazarurwa 18:2