Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 69

Gabrieri Anoshanyira Mariya

Gabrieri Anoshanyira Mariya

Erizabheti aiva nehama yechidiki yainzi Mariya, yaigara muguta reNazareta kuGarireya. Mariya nemumwe muvezi ainzi Josefa vakanga vavimbisana kuzoroorana. Erizabheti paakanga ava nepamuviri pemwedzi 6, ngirozi inonzi Gabrieri yakauya kuna Mariya. Yakati: ‘Wakadii hako Mariya? Jehovha akufarira chaizvo.’ Mariya haana kunzwisisa kuti Gabrieri airevei. Gabrieri akabva azomuudza kuti: ‘Uchava nepamuviri wobereka mwanakomana, uye unofanira kumupa zita rekuti Jesu. Achava Mambo. Umambo hwake huchagara nekusingaperi.’

Mariya akati: ‘Asi ini ndiri mhandara. Saka ndingava sei nemwana?’ Gabrieri akati: ‘Hapana chinhu chisingagoni kuitwa naJehovha. Mweya mutsvene uchauya pauri, uye uchava nemwanakomana. Hama yako Erizabheti atovawo nepamuviri kunyange zvazvo achembera.’ Mariya akabva ati: ‘Ndiri murandasikana waJehovha. Zvamataura ngazviitike kwandiri.’

Mariya akaenda kumba kwaErizabheti uyo aigara muguta raiva muzvikomo. Mariya paakamukwazisa, Erizabheti akanzwa mwana aiva mudumbu make achitamba. Azadzwa nemweya mutsvene, Erizabheti akati: ‘Mariya, wakakomborerwa naJehovha. Ndakudzwa chaizvo kuva naamai vaShe wangu mumba mangu.’ Mariya akati: ‘Ndinorumbidza Jehovha nemwoyo wangu wese.’ Mariya akagara naErizabheti kwemwedzi mitatu, ndokuzodzokera hake kumba kuNazareta.

Josefa paakaziva kuti Mariya akanga ava nepamuviri, akafunga kumuramba. Asi akarota ngirozi yaJehovha ichimuudza kuti: ‘Usatya hako kumuroora. Haana chakaipa chaakaita.’ Saka Josefa akabva aroora Mariya.

“Jehovha anoita zvese zvaanenge achida kuita kumatenga nepanyika.”​—Pisarema 135:6