Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 71

Jehovha Akadzivirira Jesu

Jehovha Akadzivirira Jesu

Vanhu vaigara kunyika yaiva kumabvazuva kweIsraeri vaitenda kuti nyeredzi dzaigona kuvatungamirira. Rimwe zuva huri usiku, vamwe varume vaibva Kumabvazuva vakaona chinhu chaiita senyeredzi yakajeka chaizvo chichifamba mudenga, vachibva vatanga kuchitevera. “Nyeredzi” yacho yakasvika navo kuJerusarema. Varume vacho vakatanga kubvunza vanhu kuti: ‘Mwana achazova mambo wevaJudha ari kupi? Tauya kuzomupfugamira.’

Mambo weJerusarema ainzi Herodhi paakanzwa nezvamambo mutsva, akatanga kunetseka chaizvo. Akabvunza vapristi vakuru kuti: ‘Mambo uyu akanzi achaberekerwa kupi?’ Vakamuudza kuti: ‘Vaprofita vakati achaberekerwa kuBhetrehema.’ Saka Herodhi akashevedza varume vekuMabvazuva achibva avaudza kuti: ‘Endai kuBhetrehema munotsvaga mwana wacho. Mudzoke nekuno muchindiudza kuti mwana wacho ari kupi. Neniwo ndinoda kunomupfugamira.’ Asi ikoko kwaiva kunyepa.

“Nyeredzi” iya yakatanga kufamba zvakare. Varume vacho vakaitevera ikavasvitsa kuBhetrehema. “Nyeredzi” yacho yakanomira nechepamusoro peimwe imba uye varume vaya vakabva vapinda mukati. Vakawana Jesu aina amai vake, Mariya. Vakapfugamira mwana wacho, vachibva vamupa zvipo zvaisanganisira goridhe, zvinonhuhwirira zvichena nemura. Jehovha ndiye here akanga atuma varume ava kuti vanotsvaga Jesu? Aiwa.

Manheru iwayo, Jehovha akataura naJosefa muhope achiti: ‘Herodhi anoda kuuraya Jesu. Tora mudzimai wako nemwanakomana wako mutizire kuIjipiti. Garai ikoko kusvikira ndakuudzai kuti zvava kuita kuti mudzoke.’ Josefa nemhuri yake vakabva vaenda kuIjipiti.

Jehovha akanga audza varume vekuMabvazuva kuti vasadzokera kuna Herodhi. Herodhi paakaona kuti varume vacho havasi kudzoka, akagumbuka. Sezvo akanga asina kuwana Jesu, akarayira kuti vanakomana vadiki vese vaiva pazera raJesu vakanga vari muBhetrehema vaurayiwe. Asi Jesu akanga akachengeteka, ari kure kuIjipiti.

Herodhi akazofa, uye Jehovha akaudza Josefa kuti: ‘Iye zvino zvava kuita kuti mudzokere henyu.’ Josefa, Mariya naJesu vakabva vadzokera kuIsraeri, uye vakanotanga musha wavo muguta reNazareta.

“Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu . . . , uye richatobudirira pane zvandinorituma kuti riite.”​—Isaya 55:11