Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 72

Jesu Achiri Mudiki

Jesu Achiri Mudiki

Josefa naMariya vaigara muNazareta naJesu nevamwe vanakomana nevanasikana vavo. Josefa aiita basa rekuveza kuti ariritire mhuri yake. Aidzidzisa mhuri yake nezvaJehovha uye Mutemo waMwari. Mhuri yacho yaigara ichienda kusinagogi kuti inonamata uye yaiendawo kuJerusarema gore negore kunoita Paseka.

Paakanga ava nemakore 12, Jesu nevemumhuri make vakafamba rwendo rwakareba rwekuenda kuJerusarema sezvavaigara vachiita. Guta racho rakanga rakazara vanhu vakanga vauya kuPaseka. Payakanga yapera, Josefa naMariya vakabva vatanga rwendo rwekudzokera kumba, vachifunga kuti Jesu akanga ari pakati pevanhu vavaifamba navo. Asi pavakazomutsvaga pakati pehama dzavo, vakamushaya.

Vakadzokera kuJerusarema, uye vakaita mazuva matatu vachimutsvaga. Vakabva vazoenda kutemberi, vachibva vamuwana akagara pakati pevadzidzisi, achinyatsoteerera uye achivabvunza mibvunzo ine musoro. Vadzidzisi vacho vaishamiswa chaizvo naJesu, zvekuti vakatotanga kumubvunza mibvunzo. Uye vaishamiswa nemhinduro dzake. Vainyatsoona kuti Jesu ainzwisisa Mutemo waJehovha.

Josefa naMariya vakanga vanetseka chaizvo. Mariya akati: ‘Mwanangu, wanga uri kupi? Tanga tichikutsvaga!’ Jesu akati: ‘Hamuzivi here kuti ndinofanira kunge ndiri muno mumba maBaba vangu?’

Jesu akabva adzokera kumba, kuNazareta nevabereki vake. Josefa akadzidzisa Jesu basa rekuveza. Unofunga kuti Jesu aiva munhu akaita sei paakanga ari mukomana? Sezvaaikura, Jesu aiwedzera kuva neuchenjeri uye airamba achifarirwa naMwari nevanhu.

“Ndinofarira kuita kuda kwenyu, haiwa Mwari wangu, uye mutemo wenyu uri mukati-kati mangu.”​—Pisarema 40:8