Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 76

Jesu Anochenesa Temberi

Jesu Anochenesa Temberi

Munenge muna April, mugore ra30 C.E., Jesu akaenda kuJerusarema. Vanhu vakawanda vakanga vauya kuguta racho kuPaseka. Pamutambo wePaseka vanhu vaiwanzopa zvibayiro zvemhuka patemberi. Vamwe vanhu vaiuya nemhuka dzavo, asi vamwe vaiita dzekutenga muJerusarema.

Jesu paakaenda kutemberi, akaona vanhu vachitengesa mhuka. Vakanga vachitoita zvavo mari paimba yaJehovha yekunamatira! Jesu akaita sei? Akagadzira chiwepu, achibva atanga kutinha makwai nemombe achizvibudisa mutemberi. Akapidigura matafura evanhu vaichinja mari uye akadururira mari dzavo pasi. Jesu akaudza vaya vaitengesa njiva kuti: ‘Budisai zvinhu izvi muno! Musaitira bhizinesi muimba yaBaba vangu!’

Vanhu vaiva patemberi vakashamiswa nezvakaitwa naJesu. Vadzidzi vake vakayeuka uprofita hunotaura nezvaMesiya hwekuti: ‘Ndichashingairira imba yaJehovha.’

Mugore ra33 C.E., Jesu akazochenesazve temberi. Akanga asingadi kuti chero ani zvake asaremekedza imba yaBaba vake.

“Hamugoni kuva varanda vaMwari nevePfuma.”​—Ruka 16:13