Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 78

Jesu Anoparidza Mashoko eUmambo

Jesu Anoparidza Mashoko eUmambo

Jesu achangobva kubhabhatidzwa, akatanga kuparidza achiti: ‘Umambo hwaMwari hwava pedyo.’ Vadzidzi vaimutevera sezvaaifamba munharaunda yeGarireya neJudhiya. Paakadzoka kuguta raakakurira reNazareta, Jesu akaenda kusinagogi, akavhura mupumburu waIsaya, achibva atanga kuverenga zvinonzwika achiti: ‘Jehovha akandipa mweya mutsvene kuti ndikwanise kuparidza mashoko akanaka.’ Izvozvo zvairevei? Zvaireva kuti kunyange zvazvo vanhu vaida kuona Jesu achiita zvishamiso, chikonzero chikuru chakaita kuti apiwe mweya mutsvene chaiva chekuti aparidze mashoko akanaka. Akabva audza vateereri vake kuti: ‘Nhasi uprofita uhwu hwazadziswa.’

Jesu akabva azoenda kuGungwa reGarireya, uye ikoko akasangana nevabati vehove 4 avo vakazova vadzidzi vake. Akavakoka achiti: “Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.” Varume vacho vaiva Petro, Andreya, Jakobho naJohani. Vakabva vasiya bhizinesi ravo rekubata hove ndokumutevera. Vakafamba muGarireya yese vachiparidza nezveUmambo hwaJehovha. Vaiparidza mumasinagogi, pamisika nemumigwagwa. Boka guru revanhu raivatevera kwese kwavaienda. Kwese kwese vanhu vaitaura nezvaJesu kunyange kunzvimbo dzaiva kure dzakadai seSiriya.

Nekufamba kwenguva, Jesu akapa vamwe vevateveri vake simba rekuti vaporese vanhu uye rekudzinga madhimoni. Vamwe vakaenda naye kunoparidza muguta neguta uye mumusha nemusha. Vakadzi vakawanda vainge vakatendeka kusanganisira Mariya Magadharini, Joana, Suzana nevamwewo, vaibatsira Jesu nevateveri vake pane zvavaida pakurarama.

Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuparidza uye akabva avatuma kunoita basa racho. Sezvavaifamba muGarireya yese, vanhu vakawanda vakavawo vadzidzi vachibva vabhabhatidzwa. Vakawanda vaida kuva vadzidzi zvekuti Jesu akatovafananidza nemunda wamirira kukohwewa. Akati: ‘Nyengeterai kuna Jehovha kuti atumire vamwe vashandi pabasa rekukohwa.’ Akazosarudza vanhu 70 pavadzidzi vake uye akavatuma vari vaviri vaviri kuti vanoparidza muJudhiya yese. Vakadzidzisa vanhu vakasiyana-siyana nezveUmambo. Vadzidzi vacho pavakadzoka, vaida chaizvo kuudza Jesu zvavakanga vasangana nazvo. Hapana zvaigona kuitwa naDhiyabhorosi kuti amise basa rekuparidza.

Jesu akava nechokwadi chekuti vadzidzi vake vaizoramba vachiita basa iroro rinokosha paaizodzokera kudenga. Akavaudza kuti: ‘Paridzai mashoko akanaka panyika yese. Dzidzisai vanhu Shoko raMwari uye vabhabhatidzei.’

“Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari mune mamwe maguta, nekuti ndakatumirwa izvozvi.”​—Ruka 4:43