Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 82

Jesu Anodzidzisa Vadzidzi Vake Kunyengetera

Jesu Anodzidzisa Vadzidzi Vake Kunyengetera

VaFarisi vaida kushamisira pane zvese zvavaiita. Kana vakabatsira munhu, vaingozviitira kuti vaonekwe nevanhu. Vainyengetera vari panzvimbo dzaiva nevanhu vakawanda kuti munhu wese avaone. VaFarisi vaibata nemusoro minyengetero mirefu, vozoidzokorora mumasinagogi nepamharadzano dzenzira kuti vanzwiwe nevanhu. Saka vanhu vakashamisika Jesu paakavaudza kuti: ‘Musanyengetera sevaFarisi. Vanofunga kuti Mwari achafadzwa nemashoko avo akawanda, asi handizvo. Pamunonyengetera munenge muchitaura naJehovha kwete nevanhu. Musadzokorora-dzokorora chinhu chimwe chete. Jehovha anoda kuti mumuudze zviri pamwoyo penyu.

‘Munofanira kunyengetera muchiti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”’ Jesu akavaudzawo kuti vaifanira kunyengetera kuti vapiwe zvekudya zvemusi iwoyo, kuti varegererwe zvivi zvavo uye zvimwewo zvavaida.

Jesu akati: ‘Musamborega kunyengetera. Rambai muchikumbira zvinhu zvakanaka kuna Baba venyu Jehovha. Hapana mubereki asingadi kupa mwana wake zvinhu zvakanaka. Kana mwanakomana wako akakukumbira chingwa, ungamupa dombo here? Kana akakukumbira hove, ungamupa nyoka here?’

Jesu akazotsanangura chidzidzo chiri panyaya iyi, achiti: ‘Kana muchigona kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu Jehovha vangazotadza kukupai mweya mutsvene here? Munofanira kungovakumbira chete.’ Unoita zvakataurwa naJesu here? Unonyengeterera zvinhu zvakaita sei?

“Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaga, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.”​—Mateu 7:7