Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 86

Jesu Anomutsa Razaro

Jesu Anomutsa Razaro

Jesu aiva neshamwari dzepedyo dzaigara muBhetani. Shamwari dzacho dzaiva Razaro nehanzvadzi dzake Mariya naMarita. Rimwe zuva, Jesu paakanga ari kune rimwe divi reJodhani, Mariya naMarita vakamutumira shoko rekuti: ‘Kurumidzai kuuya! Razaro ari kurwara zvisingaiti.’ Asi Jesu haana kuenda zuva iroro. Papfuura mazuva maviri akazoti kune vadzidzi vake: ‘Ngatiendei kuBhetani. Razaro akarara, uye ndiri kuenda kunomumutsa.’ Vaapostora vacho vakati: ‘Kana akarara, achapora hake.’ Saka Jesu akanyatsovaudza kuti: ‘Razaro afa.’

Jesu paakasvika kuBhetani, Razaro akanga ava nemazuva 4 avigwa. Vanhu vakawanda vakanga vauya kuzonyaradza Mariya naMarita. Marita paakanzwa kuti Jesu akanga auya, akamhanya kunomuchingura. Akati kwaari: “Ishe, kudai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Jesu akamuudza kuti: ‘Hanzvadzi yako ichararamazve. Unozvitenda here izvi Marita?’ Iye akati: ‘Ndinotenda kuti achamuka pachamutswa vanhu munguva yemberi.’ Jesu akati kwaari: “Ndini kumuka neupenyu.”

Marita akabva aenda kuna Mariya akamuudza kuti: ‘Jesu auya.’ Mariya akamhanyira Jesu uye vanhu vakamutevera. Akapfugama patsoka dzaJesu uye aingochema. Akati: ‘Ishe, kudai makanga muri pano, hanzvadzi yedu ingadai isina kufa!’ Jesu akaona kuti Mariya aishungurudzika chaizvo, uye akabva atangawo kuchema. Vanhu vakanga vakaungana pavakaona Jesu achibuda misodzi, vakabva vati: ‘Honai Jesu aida Razaro.’ Asi vamwe vavo vainetseka kuti: ‘Nei asina kuporesa shamwari yake?’ Jesu aizoitei?

Jesu akaenda kuguva racho uye rakanga rakavharwa nedombo guru. Akataura kuti: ‘Bvisai dombo iri.’ Marita akati: ‘Takamuviga mazuva 4 adarika! Saka anofanira kunge ava kutonhuwa.’ Asi kunyange zvakadaro, vanhu vaivapo vakabvisa dombo racho uye Jesu akanyengetera achiti: ‘Baba, maita basa nekundinzwa. Ndinozviziva kuti munogara muchindinzwa, asi ndiri kutaura vanhu ava vachinzwa kuti vazive kuti ndimi makandituma.’ Akabva ashevedzera nenzwi guru kuti: “Razaro, buda!” Pakabva paitika chinhu chinoshamisa: Razaro akabuda muguva, uye akanga akamonererwa machira. Jesu akati: “Musunungurei mumurege aende.”

Vanhu vakawanda vakaona izvi zvichiitika vakatenda muna Jesu. Asi vamwe vakaenda kunoudza vaFarisi. Kubva pazuva iroro, vaFarisi vaida kuuraya Jesu naRazaro. Mumwe wevaapostora 12, ainzi Judhasi Iskariyoti, akaenda kwaiva nevaFarisi pachivande, akabva avabvunza kuti: ‘Munondipa marii kana ndikakubatsirai kuti muwane Jesu?’ Vakati vaizomupa masirivha 30, uye Judhasi akabva atanga kutsvaga mukana wekusungisa Jesu nevaFarisi.

“Kwatiri Mwari wechokwadi ndiMwari wekuponesa; uye Jehovha, Changamire Ishe anowanisa nzira dzekupona nadzo murufu.”​—Pisarema 68:20