Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 90

Jesu Anofa paGorogota

Jesu Anofa paGorogota

Vakuru vevapristi vakaenda naJesu kumuzinda wagavhuna. Pirato akavabvunza kuti: ‘Muri kuti munhu uyu ane mhosva yei?’ Ivo vakati: ‘Anozviti ndimambo!’ Pirato akabvunza Jesu kuti: ‘Uri mambo wevaJudha here?’ Jesu akapindura kuti: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.”

Pirato akaendesa Jesu kuna Herodhi, mutongi weGarireya, kuti anoona kana aiva nemhosva yaaimupomera. Herodhi haana chakaipa chaakawana pana Jesu, saka akamudzosera kuna Pirato. Pirato akabva audza vanhu kuti: ‘Ini naHerodhi hatina mhosva yatawana pamunhu uyu. Ndava kumusunungura.’ Boka revanhu rakashevedzera kuti: ‘Muurayei! Muurayei!’ Masoja akarova Jesu netyava, akamupfira mate uye akamurovawo nemaoko. Vakaisa korona yeminzwa mumusoro make uye vakatanga kumutsvinyira vachiti: ‘Hesi, Mambo wevaJudha.’ Pirato akaudzazve boka revanhu kuti: ‘Handina mhosva yandawana pamurume uyu.’ Asi ivo vakashevedzera kuti: “Murovererei!” Saka Pirato akazobvumira kuti Jesu aurayiwe.

Masoja akabva aenda naJesu kunzvimbo inonzi Gorogota, akamuroverera padanda ndokurisimudza. Jesu akanyengetera achiti: ‘Baba, varegererei, nekuti havazivi zvavari kuita.’ Vanhu vakatanga kutsvinyira Jesu, vachiti: ‘Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka padanda! Zviponese.’

Mumwe wevanhu vaiita zvakaipa vakanga vakaturikwa padivi pake akati: “Mundiyeukewo kana mapinda muUmambo hwenyu.” Jesu akamuvimbisa kuti: “Uchava neni muParadhiso.” Masikati acho, rima rakafukidza nyika yacho kwemaawa matatu. Vamwe vevadzidzi vake vakanga vakamira pedyo nedanda, kusanganisira Mariya amai vaJesu. Jesu akaudza Johani kuti achengete Mariya saamai vake.

Jesu akazoti: “Zvaitika!” Akakotamisa musoro wake ndokubva afema kekupedzisira. Panguva iyoyo, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru chaizvo. Keteni raiva kutemberi iro raipatsanura Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene rakabvaruka nepakati. Mumwe mukuru wemasoja akati: ‘Chokwadi uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.’

“Pasinei nekuti zvipikirwa zvaMwari zvizhinji sei, izvo zvakava ‘hongu’ pachishandiswa iye.”​—2 VaKorinde 1:20