Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 91

Jesu Anomutswa

Jesu Anomutswa

Jesu afa, mumwe murume mupfumi ainzi Josefa, akakumbira Pirato mvumo yekubvisa mutumbi waJesu padanda. Josefa akaputira mutumbi wacho nemachira erineni uye akauzora zvinonhuwirira akabva auisa muguva. Akaita kuti dombo guru rikungurutsirwe pamusuo weguva racho. Vakuru vevapristi vakaudza Pirato kuti: ‘Tiri kutyira kuti vamwe vevadzidzi vaJesu vachatora mutumbi wake vobva vati akamuka.’ Saka Pirato akavaudza kuti: ‘Namai guva racho muririnde.’

Papera mazuva matatu, ari mangwanani-ngwanani, vamwe vakadzi vakaenda kuguva uye vakaona kuti dombo riya rakanga rabviswa. Pavakapinda muguva racho, ngirozi yakavaudza kuti: ‘Musatya. Jesu amutswa. Endai munoudza vadzidzi vake kuti vanosangana naye kuGarireya.’

Izvozvo pazvaiitika, Mariya Magadharini akanga atomhanya kunotsvaga Petro naJohani. Paakavaona, akavaudza kuti: ‘Pane munhu atora mutumbi waJesu!’ Petro naJohani vakabva vamhanya kuguva racho. Pavakaona kuti makanga musina chinhu, vakadzokera kudzimba dzavo.

Mariya paakadzokera kuguva, akaona ngirozi mbiri dziri mukati, akati kwadziri: ‘Handizivi kuti vaendesa Ishe wangu kupi.’ Akabva aona mumwe murume, uye achifunga kuti aiva mushandi wepanzvimbo yacho, akabva ati: ‘Ndinokumbirawo kuti mundiudze kwamamuendesa.’ Asi murume wacho paakati, “Mariya!” akabva aziva kuti akanga ari Jesu. Akashevedzera kuti: “Mudzidzisi!” uye akabva amumbundira. Jesu akamuudza kuti: ‘Enda unoudza hama dzangu kuti wandiona.’ Mariya akabva angomhanya kuvadzidzi akanovaudza kuti akanga aona Jesu.

Gare gare musi iwoyo, vadzidzi vaviri vakanga vachifamba kubva kuJerusarema kuenda kuEmausi. Mumwe murume akabva abatana navo, ndokuvabvunza kuti vakanga vachitaura nezvei. Vakati: ‘Hauna kunzwa zvakaitika here? Mazuva matatu apfuura, vakuru vevapristi vakauraya Jesu. Asi izvozvi vamwe vakadzi vari kuti mupenyu!’ Murume wacho akavabvunza kuti: ‘Hamutendi zvakataurwa nevaprofita here? Vakataura kuti Kristu aizofa uye omutswa.’ Akaenderera mberi nekuvatsanangurira Magwaro. Pavakasvika kuEmausi, vadzidzi vakakumbira murume wacho kuti aende navo. Paakanga anyengeterera chingwa pakudya kwemanheru, vakaziva kuti akanga ari Jesu, uye akabva anyangarika.

Vadzidzi vaviri vacho vakakurumidza kuenda kumba kwakanga kuine vaapostora kuJerusarema uye vakavaudza zvakanga zvaitika. Vari mumba imomo, Jesu akazviratidza kwavari vese. Pakutanga, vaapostora havana kuzvibvuma kuti akanga ari Jesu. Saka akabva ati: ‘Honai maoko angu, ndibatei. Zvakanyorwa kuti Kristu achamuka kubva kuvakafa.’

“Ndini nzira nechokwadi neupenyu. Hapana anouya kuna Baba asina kuuya nekwandiri.”​—Johani 14:6