Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 92

Jesu Anozviratidza Kuvabati Vehove

Jesu Anozviratidza Kuvabati Vehove

Papera mazuva kubva Jesu azviratidza kuvadzidzi vake, Petro akaenda kunobata hove kuGungwa reGarireya. Tomasi, Jakobho, Johani nevamwe vadzidzi vakaendawo naye. Vakaita usiku hwese vari mugungwa asi havana kana chavakabata.

Mangwanani-ngwanani ezuva rakatevera, vakaona mumwe murume akamira kumhenderekedzo. Akashevedzera kwavari achiti: ‘Pane hove dzamabata here?’ Vakamupindura kuti: “Aiwa hapana!” Murume wacho akati: “Kandai mambure enyu kurudyi rwechikepe.” Pavakaita izvozvo, mambure acho akazara nehove zvekuti vakanga vasingachakwanisi kuakwevera kunze. Johani akabva aziva kuti murume wacho akanga ari Jesu, uye akati: “NdiIshe!” Petro akabva asvetukira mumvura ndokushambira achienda kumhenderekedzo. Vamwe vadzidzi vakateverawo vari muchikepe.

Pavakasvika kumhenderekedzo yegungwa, vakaona chingwa nehove zviri pamoto. Jesu akavaudza kuti vauye nedzimwe hove kuti vawedzere pane dzaiva pamoto, achibva ati: ‘Uyai mudye.’

Pavakanga vapedza kudya, Jesu akabvunza Petro kuti: ‘Unondida here kupfuura kubata hove?’ Petro akati: ‘Hongu, Ishe, inga wani munozviziva kuti ndinokudai.’ Jesu akati: ‘Saka dyisa makwayana angu.’ Jesu akabvunzazve kuti: ‘Petro, unondida here?’ Petro akati: ‘Ishe, inga wani munozviziva kuti ndinokudai.’ Jesu akati: “Fudza makwai angu madiki.” Jesu akamubvunzazve kechitatu. Petro akashungurudzika chaizvo. Akati: ‘Ishe, munoziva zvinhu zvese. Munoziva kuti ndinokudai.’ Jesu akati: “Dyisa makwai angu madiki.” Akabva audza Petro kuti: “Ramba uchinditevera.”

“[Jesu] akati kwavari: ‘Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.’ Vakabva vangosiya mambure avo, vakamutevera”​—Mateu 4:19, 20