Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 93

Jesu Anodzokera Kudenga

Jesu Anodzokera Kudenga

Jesu akasangana nevateveri vake muGarireya. Akavapa murayiro unokosha chaizvo wekuti: ‘Endai munoita kuti vanhu vemunyika dzese vave vadzidzi. Vadzidzisei zvinhu zvandakakudzidzisai uye vabhabhatidzei.’ Akabva avavimbisa kuti: ‘Ndicharamba ndiinemi.’

Mumazuva 40 pashure pekunge amutswa, Jesu akazviratidza kumazana evadzidzi vake muGarireya nemuJerusarema. Akavadzidzisa zvidzidzo zvinokosha uye akaita zvishamiso zvakawanda. Jesu akabva azosangana nevaapostora vake kekupedzisira paGomo reMiorivhi.

Jesu akanga avaudza kuti: ‘Musabuda muJerusarema. Rambai makamirira zvakavimbiswa naBaba vangu.’ Asi vaapostora vake vainge vasina kunzwisisa zvaaireva. Saka vakamubvunza kuti: ‘Mava kutova Mambo wevaIsraeri here?’ Jesu akati: ‘Nguva yaJehovha yekuti ndive Mambo haisati yakwana. Nekukurumidza muchagamuchira simba remweya mutsvene, uye muchava zvapupu zvangu. Endai munoparidza muJerusarema, muJudhiya, muSamariya nekunzvimbo dziri kure chaizvo dzepanyika.’

Jesu akatanga kukwira kudenga uye gore rakamuvhara. Vadzidzi vake vakaramba vakatarisa mudenga asi Jesu akanga atoenda.

Vadzidzi vacho vakabva muGomo reMiorivhi vakaenda kuJerusarema. Vaigara vachiungana muimba yepamusoro, vachinyengetera. Vainge vakamirira kuti Jesu avape mimwe mirayiridzo.

“Aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, uye kana zvadaro mugumo uchasvika.”​—Mateu 24:14