Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 94

Vadzidzi Vanopiwa Mweya Mutsvene

Vadzidzi Vanopiwa Mweya Mutsvene

Papera mazuva 10 kubva pakadzokera Jesu kudenga, vadzidzi vake vakagamuchira mweya mutsvene. Pakanga pari paPendekosti ya33 C.E., uye vanhu vakanga vauya kuJerusarema vachibva kunzvimbo dzakawanda kuti vazoipemberera. Paiva nevadzidzi vaJesu vanenge 120 vainge vakaungana mukamuri repamusoro reimwe imba. Pakabva paitika chinhu chinoshamisa. Pamusoro pemudzidzi mumwe nemumwe pakanga paine chinhu chaiita serimi remoto, uye vese vakatanga kutaura mimwe mitauro. Ruzha rukuru rwakaita serwemhepo ine simba, rwakazadza imba yacho.

Vanhu vainge vauya kuJerusarema vachibva kune dzimwe nyika vakanzwa ruzha rwacho vakamhanyira kuimba yacho kuti vanoona kuti chii chakanga chichiitika. Vakashamiswa pavakanzwa vadzidzi vachitaura mimwe mitauro. Vakati: ‘Vanhu ava ndevekuGarireya. Saka nei vari kukwanisa kutaura mitauro yedu?’

Petro nevamwe vaapostora vakabva vamira pamberi peboka revanhu. Petro akaudza vanhu kuti Jesu akaurayiwa sei uye kuti akazomutswa sei naJehovha. Petro akati: ‘Iye zvino Jesu atova kudenga, kuruoko rwerudyi rwaMwari, uye ndiye adurura mweya mutsvene waakavimbisa. Ndizvo zvaita kuti munzwe uye muone zvishamiso izvi.’

Vanhu vakabayiwa mwoyo nemashoko aPetro, uye vakabvunza kuti: “Toitei?” Iye akati kwavari: ‘Pfidzai musiye zvivi zvenyu uye bhabhatidzwai muzita raJesu. Muchagamuchirawo chipo chemweya mutsvene.’ Pazuva iroro, vanhu vanenge 3 000 vakabhabhatidzwa. Kubvira ipapo, vadzidzi vakatanga kuwedzera chaizvo muJerusarema. Vachibatsirwa nemweya mutsvene, vaapostora vakaumba ungano dzakawanda kuitira kuti vadzidzise vadzidzi zvinhu zvese zvavakarayirwa naJesu.

“Kana uchizivisa pachena nemuromo wako kuti Jesu ndiIshe, uye uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.”​—VaRoma 10:9