Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 100

Pauro naTimoti

Pauro naTimoti

Timoti akanga ari hama yechidiki yaiva muungano yeRistra. Baba vake vaiva muGiriki, uye amai vake vaiva muJudha. Amai vake Yunisi, naambuya vake Roisi vakamudzidzisa nezvaJehovha kubva achiri mudiki.

Pauro paakashanyira Ristra parwendo rwake rwechipiri rwekuparidza, akaona kuti Timoti ainyatsoda hama uye aida kudzibatsira. Saka akamukumbira kuti abatane naye parwendo rwake. Nekufamba kwenguva, Pauro akadzidzisa Timoti kuti ave muparidzi uye mudzidzisi wemashoko akanaka ane unyanzvi.

Mweya mutsvene waitungamirira Pauro naTimoti kwese kwavaienda. Rimwe zuva usiku, Pauro akaratidzwa mumwe murume achimuudza kuti auye kuMakedhoniya kuti azovabatsira. Saka Pauro, Timoti, Sirasi naRuka vakaenda ikoko kunoparidza nekutanga ungano.

Muguta rekuMakedhoniya rainzi Tesaronika, varume nevakadzi vakawanda vakava vaKristu. Asi vamwe vaJudha vaiitira Pauro nevamwe vake godo. Vakaunganidza mhomho yevanhu uye vakazvuzvurudza Pauro nevamwe vake vakavaendesa kuvatongi veguta, vachishevedzera kuti: ‘Varume ava vavengi vehurumende yeRoma!’ Upenyu hwaPauro naTimoti hwakanga hwava pangozi, saka manheru acho vakatizira kuBheriya.

Vanhu vekuBheriya vaida kunzwa mashoko akanaka, uye vaGiriki nevaJudha vakava vatendi. Asi vamwe vaJudha pavakauya kubva kuTesaronika ndokutanga mheremhere, Pauro akabva aenda kuAtene. Timoti naSirasi vakaramba vari kuBheriya vachisimbisa hama. Nekufamba kwenguva, Pauro akatuma Timoti kuti adzokere kuTesaronika kuti anobatsira vaKristu vaivako nekuti vakanga vachitambudzwa zvakanyanya. Pauro akazotuma Timoti kuti ashanyire dzimwe ungano dzakawanda kuti adzikurudzire.

Pauro akaudza Timoti kuti: ‘Vaya vanoda kushumira Jehovha vachatambudzwa.’ Timoti akatambudzwa uye akaiswa mujeri nekuda kwekutenda kwake. Akafara kuti akawana mukana wekuratidza kuti akavimbika kuna Jehovha.

Pauro akaudza vaFiripi kuti: ‘Ndiri kutumira Timoti kwamuri. Achakudzidzisai zvazvinoreva kufamba muchokwadi, uye achakudzidzisai kuparidza.’ Pauro aiziva kuti aigona kuvimba naTimoti. Vakashanda pamwe chete seshamwari neshamwari kwemakore akawanda.

“Nekuti handina mumwezve ane mwoyo wakaita sewake, ane hanya chaizvo nezvinokunetsai. Nekuti vamwe vese vari kutsvaga zvakangovanakira, kwete zviya zvaJesu Kristu.”​—VaFiripi 2:20, 21