Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 101

Pauro Anoendeswa kuRoma

Pauro Anoendeswa kuRoma

Rwendo rwechitatu rwekunoparidza rwaPauro rwakazogumira muJerusarema. Ari imomo akasungwa ndokuvharirwa mujeri. Ava manheru, akarota Jesu achimuudza kuti: ‘Uchaenda kuRoma kunoparidza ikoko.’ Pauro akabviswa muJerusarema ndokuendeswa kuKesariya, uko kwaakapedza makore maviri ari mujeri. Paakanga achitongwa naGavhuna Festo, Pauro akati: ‘Ndinoda kunotongwa naKesari kuRoma.’ Festo akabva ati: ‘Sezvo wakwidza nyaya yako kuna Kesari, uchaenda kuna Kesari.’ Pauro akakwidzwa mungarava yaienda kuRoma, uye akaenda nehama mbiri dzechiKristu, dzaiti Ruka naAristako.

Pavakanga vari mugungwa, kwakaita dutu rakasimba chaizvo, iro rakatora mazuva akawanda. Vanhu vese vakafunga kuti vakanga vava kufa. Asi Pauro akati: ‘Varume, ndarota ngirozi ichindiudza kuti: “Pauro, usatya hako. Uchasvika kuRoma, uye munhu wese ari mungarava achange akachengeteka.” Shingai! Hatisi kuzofa.’

Dutu racho rakarova kwemazuva 14. Pava paya, vakazoona nyika yakaoma. Chaiva chitsuwa cheMarita. Ngarava yacho yakakweshera, ndokubva yapwanyika-pwanyika, asi vanhu vese 276 vaivamo vakakwanisa kusvika panyika yakaoma. Vamwe vakaita zvekushambira uye vamwe vakabatirira pazvimedu zvengarava, ndokuyangarara vakananga kumhenderekedzo. Vanhu vekuMarita vakavabatsira uye vakavabatidzira moto kuti vadziirwe.

Papera mwedzi mitatu, masoja akatora Pauro akaenda naye kuRoma neimwe ngarava. Paakasvika, hama dzakauya kuzomuona. Paakadziona, Pauro akatenda Jehovha uye akawedzera kushinga. Kunyange zvazvo akanga ari musungwa, Pauro akabvumirwa kugara muimba yekurenda uye ainge akarindwa nemusoja. Akagara ikoko kwemakore maviri. Vanhu vaiuya kuzomuona, uye aivaparidzira nezveUmambo hwaMwari nekuvadzidzisa nezvaJesu. Pauro akanyorawo tsamba kuungano dzaiva muAsia Minor nemuJudhiya. Jehovha akashandisa Pauro kuti aparadzire mashoko akanaka kuvanhu vemamwe marudzi.

“Munzira dzese tinoratidza kuti tiri vashumiri vaMwari, nekutsungirira zvizhinji, matambudziko, nguva dzekushayiwa, kuomerwa.”​—2 VaKorinde 6:4