Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusuma Chikamu 1

Kusuma Chikamu 1

Bhaibheri rinotanga nekutaura nyaya yekusikwa kwezvinhu zvinooneka, saka tinokwanisa kuona zvinhu zvakanaka zvakasikwa naJehovha, zviri kudenga nezviri panyika. Kana uri mubereki, batsira mwana wako kuti aone kushamisa kwezvinhu zvakasiyana-siyana zvakasikwa. Taura kuti Mwari akaita kuti vanhu vave vanokosha chaizvo kudarika mhuka, izvo zvinoita kuti tikwanise kutaura, kunzwisisa, kugadzira zvinhu, kuimba, uye kunyengetera. Ita kuti anzwisise simba raJehovha, uchenjeri hwake, uye chinotonyanya kukosha chacho kuda kwaanoita zvinhu zvaakasika​—kusanganisira mumwe nemumwe wedu.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHIDZIDZO 1

Mwari Akasika Denga Nenyika

Bhaibheri rinotaura kuti Mwari akasika denga nenyika. Asi unoziva here kuti ndeipi ngirozi yaakatanga kusika asati asika zvimwe zvinhu zvese?

CHIDZIDZO 2

Mwari Akasika Murume Nemukadzi Vekutanga

Mwari akasika murume nemukadzi vekutanga akavaisa mumunda weEdheni. Aida kuti vave nevana uye vaite kuti nyika yese ive paradhiso.