Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusuma Chikamu 3

Kusuma Chikamu 3

Makore akazotevera pashure pemafashamo, Bhaibheri rinotiudza nezvevanhu vashomanana vakashumira Jehovha. Mumwe wacho aiva Abrahamu uyo akanzi ishamwari yaJehovha. Nei akazonzi ishamwari yaJehovha? Kana uri mubereki, batsira mwana wako kuti aone kuti Jehovha anomuda uye anoda kumubatsira. Kungofanana naAbrahamu nevamwe vaiva vakatendeka vakadai saRoti naJakobho, tinogona kusununguka kukumbira Jehovha kuti atibatsire. Tinogonawo kuva nechivimbo chekuti Jehovha acharamba achizadzisa zvese zvaanovimbisa.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHIDZIDZO 7

Shongwe yeBhabheri

Vamwe vanhu vakafunga kuvaka guta raiva neshongwe yaisvika kumatenga chaiko. Nei Mwari aita kuti vangoerekana vava kutaura mitauro yakasiyana?

CHIDZIDZO 8

Abrahamu naSara Vakateerera Mwari

Nei Abrahamu naSara vakatengesa zvinhu zvavaiva nazvo muguta, kuti vanogara sevanhu vaingotama-tama kunyika yeKenani?

CHIDZIDZO 9

Vakazova Nemwanakomana!

Mwari aizozadzisa sei zvaakavimbisa kuna Abrahamu? Vimbiso yacho yaizozadzika nekuna ani, Isaka here kana kuti Ishmaeri?

CHIDZIDZO 10

Yeuka Mudzimai waRoti

Mwari akanayisa moto nesarufa kuSodhoma neGomora. Nei maguta iwayo akaparadzwa? Nei tichifanira kuyeuka mudzimai waRoti?

CHIDZIDZO 11

Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda

Mwari akati kuna Abrahamu: ‘Tora mwanakomana wako mumwe chete, umupe sechibayiro pagomo riri kunyika yeMoriya.’ Abrahamu aizoita sei paaizosangana nemuedzo uyu wekutenda?

CHIDZIDZO 12

Jakobho Anowana Nhaka

Isaka naRibheka vakava nevanakomana vaiva mapatya vainzi Isau naJakobho. Isau ndiye akatanga kuberekwa saka ndiye aiva nekodzero yekuwana nhaka yaikosha. Nei akatengesa nhaka yake kuti angowana ndiro yenyemba?

CHIDZIDZO 13

Jakobho naIsau Vanotangazve Kuwirirana

Jakobho akaita sei kuti awane chikomborero kubva kungirozi? Uye akaita sei kuti vatangezve kuwirirana naIsau?