Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusuma Chikamu 4

Kusuma Chikamu 4

Chikamu chino chinotiudza nezvaJosefa, Jobho, Mozisi, uye vaIsraeri. Vose havo vakatsungirira matambudziko akawanda aibva kuna Dhiyabhorosi. Vamwe vavo vakabatwa zvakaipa, vakasungwa, vakaitwa varanda uye vamwe vavo vakaerekana vafirwa nevanhu vavaida. Kunyange zvakadaro, Jehovha akavachengetedza nenzira dzakasiyana-siyana. Kana uri mubereki, batsira mwana wako kunzwisisa kuti vashumiri vaJehovha ivavo vakaramba sei vaine kutenda pasinei nekuitirwa zvakaipa.

Jehovha akashandisa Matambudziko Gumi kuti aratidze kuti ane simba kupfuura vanamwari vese veIjipiti. Ratidza kuti Jehovha akachengetedza sei vanhu vake kare uye ari kuvachengetedza sei mazuva ano.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHIDZIDZO 14

Muranda Akateerera Mwari

Josefa aiita zvakanaka asi akatambura chaizvo. Nei?

CHIDZIDZO 15

Jehovha Haana Kukanganwa Josefa

Kunyange zvazvo Josefa aiva kure nevemumhuri yake, Mwari akaramba ainaye.

CHIDZIDZO 16

Jobho Aiva Ani?

Akateerera Jehovha kunyange pazvainge zvakaoma.

CHIDZIDZO 17

Mozisi Akasarudza Kunamata Jehovha

Paakanga achiri mudiki, Mozisi akapona nekuda kwezano rekuchenjera rakaitwa naamai vake.

CHIDZIDZO 18

Gwenzi Raipfuta Moto

Nei moto usina kupisa gwenzi racho?

CHIDZIDZO 19

Matambudziko 3 Ekutanga

Farao akaunza nhamo pavanhu vake nekuti akaratidza kuzvikudza paakaramba kuita zvaakanga audzwa.

CHIDZIDZO 20

Mamwe Matambudziko 6 Anotevera

Matambudziko aya akanga akasiyana papi ne3 ekutanga?

CHIDZIDZO 21

Dambudziko Rechi10

Dambudziko iri rairwadza chaizvo zvekuti Farao uyo aizvikudza akazovarega vachienda.

CHIDZIDZO 22

Chishamiso Chakaitika paGungwa Dzvuku

Farao akasangana nematambudziko 10, asi akakwanisa here kupukunyuka pachishamiso ichi chakaitwa naMwari?