Kusuma Chikamu 4
Chikamu chino chinotiudza nezvaJosefa, Jobho, Mozisi, uye vaIsraeri. Vose havo vakatsungirira matambudziko akawanda aibva kuna Dhiyabhorosi. Vamwe vavo vakabatwa zvakaipa, vakasungwa, vakaitwa varanda uye vamwe vavo vakaerekana vafirwa nevanhu vavaida. Kunyange zvakadaro, Jehovha akavachengetedza nenzira dzakasiyana-siyana. Kana uri mubereki, batsira mwana wako kunzwisisa kuti vashumiri vaJehovha ivavo vakaramba sei vaine kutenda pasinei nekuitirwa zvakaipa.
Jehovha akashandisa Matambudziko Gumi kuti aratidze kuti ane simba kupfuura vanamwari vese veIjipiti. Ratidza kuti Jehovha akachengetedza sei vanhu vake kare uye ari kuvachengetedza sei mazuva ano.
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
CHIDZIDZO 15
Jehovha Haana Kukanganwa Josefa
Kunyange zvazvo Josefa aiva kure nevemumhuri yake, Mwari akaramba ainaye.
CHIDZIDZO 17
Mozisi Akasarudza Kunamata Jehovha
Paakanga achiri mudiki, Mozisi akapona nekuda kwezano rekuchenjera rakaitwa naamai vake.
CHIDZIDZO 19
Matambudziko 3 Ekutanga
Farao akaunza nhamo pavanhu vake nekuti akaratidza kuzvikudza paakaramba kuita zvaakanga audzwa.
CHIDZIDZO 21
Dambudziko Rechi10
Dambudziko iri rairwadza chaizvo zvekuti Farao uyo aizvikudza akazovarega vachienda.
CHIDZIDZO 22
Chishamiso Chakaitika paGungwa Dzvuku
Farao akasangana nematambudziko 10, asi akakwanisa here kupukunyuka pachishamiso ichi chakaitwa naMwari?