Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusuma Chikamu 7

Kusuma Chikamu 7

Chikamu chino chinotaura nezveupenyu hwaMambo Sauro naMambo Dhavhidhi uye nhoroondo yacho yakaitika kwemakore anenge 80. Pakutanga, Sauro aizvininipisa uye aitya Mwari, asi akabva achinja ndokurega kuteerera Jehovha. Jehovha akamuramba uye akazoudza Samueri kuti azodze Dhavhidhi kuti azova mambo wevaIsraeri. Kakawanda, Sauro uyo aiva negodo akaedza kumuuraya asi Dhavhidhi haana kumbomutsiva. Jonatani mwanakomana waSauro, ainge akavimbika kuna Dhavhidhi nekuti aiziva kuti Jehovha akanga asarudza Dhavhidhi. Dhavhidhi akaita zvivi zvakakura, asi pese paairangwa naJehovha aibvuma. Kana uri mubereki, batsira mwana wako kuti aone kukosha kwekuteerera uye kwekuva vakavimbika kuna Jehovha nevaya vaakasarudza kuti vatitungamirire.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHIDZIDZO 39

Mambo Wekutanga wevaIsraeri

Mwari akaita kuti vatongi vatungamirire vaIsraeri, asi ivo vaida mambo. Samueri akazodza Sauro kuti ave mambo wekutanga, asi Jehovha akazoramba Sauro. Nei?

CHIDZIDZO 40

Dhavhidhi naGoriyati

Jehovha anosarudza Dhavhidhi kuti azova mambo wevaIsraeri, uye Dhavhidhi anoratidza kuti akakodzera kuva mambo.

CHIDZIDZO 41

Dhavhidhi naSauro

Nei mumwe wevarume ava achivenga mumwe wake, uye murume wacho ari kuvengwa anoita sei?

CHIDZIDZO 42

Jonatani Ainge Akashinga Uye Akavimbika

Mwanakomana wamambo anova shamwari yakanaka yaDhavhidhi.

CHIDZIDZO 43

Chivi Chakaitwa naMambo Dhavhidhi

Kuita zvakaipa kwakaunza matambudziko akawanda.