Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusuma Chikamu 8

Kusuma Chikamu 8

Jehovha akakomborera Soromoni nekuita kuti ave akachenjera chaizvo uye akamupa ropafadzo yekuvaka temberi, asi zvishoma nezvishoma akasiya Jehovha. Kana uri mubereki, tsanangurira mwana wako kuti aone kuti vanamati venhema vakabvisa sei Soromoni pana Mwari. Umambo hwakapatsanurwa, uye madzimambo akaipa akaita kuti vaIsraeri vatsauke pakutenda uye vanamate zvidhori. Panguva iyoyo, vaprofita vaJehovha vakawanda vakanga vakavimbika vaitambudzwa uye vaiurayiwa. Mambokadzi Jezebheri akaita kuti vanhu vaiva muumambo hwekuchamhembe vatonyanya kutsauka pakutenda. Zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka muIsraeri panguva iyi. Asi kwakanga kuchiri nevashumiri vaJehovha vakawanda vainge vakatendeka, kusanganisira Mambo Jehoshafati uye muprofita Eriya.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHIDZIDZO 44

Temberi yaJehovha

Mwari akagamuchira chikumbiro chaMambo Soromoni uye akamupa makomborero akakura.

CHIDZIDZO 45

Umambo Hwakapatsanurwa

VaIsraeri vakawanda vakasiya kunamata Jehovha.

CHIDZIDZO 46

Vakaedzwa paGomo reKameri

Mwari wechokwadi ndiani? Jehovha kana kuti Bhaari?

CHIDZIDZO 47

Jehovha Akasimbisa Eriya

Unofunga kuti Jehovha anogona kukupawo simba here?

CHIDZIDZO 48

Mwanakomana Wechirikadzi Akamutswa

Zvishamiso zviviri zvakaitika pamba imwe chete!

CHIDZIDZO 49

Mambokadzi Akaipa Anorangwa

Jezebheri anoronga kuuraya muIsraeri ainzi Nabhoti kuti abe munda wake wemazambiringa! Jehovha aiona zvinhu zvakaipa zvaaiita.

CHIDZIDZO 50

Jehovha Anodzivirira Jehoshafati

Mambo Jehoshafati uyo aiita zvakanaka anonyengetera kuna Jehovha, vaJudha pavanotyisidzirwa nemarudzi aivavenga.