Kusuma Chikamu 8
Jehovha akakomborera Soromoni nekuita kuti ave akachenjera chaizvo uye akamupa ropafadzo yekuvaka temberi, asi zvishoma nezvishoma akasiya Jehovha. Kana uri mubereki, tsanangurira mwana wako kuti aone kuti vanamati venhema vakabvisa sei Soromoni pana Mwari. Umambo hwakapatsanurwa, uye madzimambo akaipa akaita kuti vaIsraeri vatsauke pakutenda uye vanamate zvidhori. Panguva iyoyo, vaprofita vaJehovha vakawanda vakanga vakavimbika vaitambudzwa uye vaiurayiwa. Mambokadzi Jezebheri akaita kuti vanhu vaiva muumambo hwekuchamhembe vatonyanya kutsauka pakutenda. Zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka muIsraeri panguva iyi. Asi kwakanga kuchiri nevashumiri vaJehovha vakawanda vainge vakatendeka, kusanganisira Mambo Jehoshafati uye muprofita Eriya.
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
CHIDZIDZO 44
Temberi yaJehovha
Mwari akagamuchira chikumbiro chaMambo Soromoni uye akamupa makomborero akakura.
CHIDZIDZO 49
Mambokadzi Akaipa Anorangwa
Jezebheri anoronga kuuraya muIsraeri ainzi Nabhoti kuti abe munda wake wemazambiringa! Jehovha aiona zvinhu zvakaipa zvaaiita.
CHIDZIDZO 50
Jehovha Anodzivirira Jehoshafati
Mambo Jehoshafati uyo aiita zvakanaka anonyengetera kuna Jehovha, vaJudha pavanotyisidzirwa nemarudzi aivavenga.