Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusuma Chikamu 10

Kusuma Chikamu 10

Jehovha ndiye Mambo wezvinhu zvese. Agara aine simba pazvinhu zvese uye acharamba ainaro. Semuenzaniso, akanunura Jeremiya kuti asaurayiwa. Akaponesa Shadreki, Misheki naAbhedhinego mumoto uye akaitawo kuti Dhanieri asadyiwa neshumba. Jehovha akadzivirira Esteri kuti akwanise kununura rudzi rwake rwese. Haazobvumiri kuti zvakaipa zvirambe zviripo nariini. Uprofita hwechidhori chihombe nehwemuti muhombe hunosimbisa kuti Umambo hwaJehovha huchakurumidza kubvisa zvakaipa zvese hwobva hwatonga nyika.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHIDZIDZO 57

Jehovha Anotuma Jeremiya Kunoparidza

Zvakataurwa nemuprofita uyu wechidiki zvakaita kuti vakuru vevaJudha vatsamwe chaizvo.

CHIDZIDZO 58

Jerusarema Rinoparadzwa

Vanhu veJudha vakaramba vachinamata vanamwari venhema, saka Jehovha akavasiya.

CHIDZIDZO 59

Vakomana 4 Vakateerera Jehovha

VaJudha vechidiki vatsunga kuramba vakatendeka kuna Jehovha kunyange zvazvo vari mumuzinda weBhabhironi.

CHIDZIDZO 60

Umambo Husingazomboparadzwi

Dhanieri anotsanangura hope dzaNebhukadhinezari dzainetsa kunzwisisa.

CHIDZIDZO 61

Havana Kuchipfugamira

Shadreki, Misheki, naAbhedhinego vakaramba kunamata chidhori chegoridhe chamambo weBhabhironi.

CHIDZIDZO 62

Umambo Hwakaita Semuti Muhombe

Hope dzaNebhukadhinezari dzaireva zvaizoitika kwaari.

CHIDZIDZO 63

Mashoko Akanyorwa Pamadziro

Mashoko aya asinganzwisisiki akaoneka riini uye anorevei?

CHIDZIDZO 64

Dhanieri Mugomba Reshumba

Nyengetera kuna Jehovha mazuva ese sezvaiitwa naDhanieri!

CHIDZIDZO 65

Esteri Anoponesa Vanhu Vake

Kunyange zvazvo aiva mutorwa uye nherera, iye akazova mambokadzi.

CHIDZIDZO 66

Ezra Akadzidzisa Mutemo waMwari

VaIsraeri pavakanzwa zvakanga zvataurwa naEzra, vakaita vimbiso inokosha kuna Mwari.

CHIDZIDZO 67

Masvingo eJerusarema

Nehemiya akaziva kuti vavengi vake vaida kuvarwisa. Nei akanga asingatyi?