Kusuma Chikamu 11
Chikamu chino chinosuma Magwaro echiKristu echiGiriki. Jesu akaberekerwa mumhuri yainge isina kupfuma uye yaigara muguta diki. Aishanda nababa vake avo vaiva muvezi. Jesu ndiye aizoponesa vanhu. Jehovha akamusarudza kuti ave Mambo weUmambo hwekumatenga. Kana uri mubereki, batsira mwana wako kuti aone kuti Jehovha akanyatsoratidza sei rudo nekusarudza mhuri nemamiriro ezvinhu akanaka ekuti Jesu akure maari. Ona kuti Jehovha akadzivirira sei Jesu kuti asaurayiwa naHerodhi uye kuti nei pasina chinotadzisa chinangwa chake kuzadzika. Dzidza kuti Jehovha akapa sei Johani basa rekugadzirira Jesu nzira. Simbisa kuti kunyange paaiva mudiki, Jesu aifarira uchenjeri hunobva kuna Jehovha.
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
CHIDZIDZO 68
Erizabheti Anova Nemwana
Nei murume waErizabheti akaudzwa kuti aizotadza kutaura kusvikira mwana aberekwa?
CHIDZIDZO 70
Ngirozi Dzinozivisa Kuberekwa kwaJesu
Vafudzi pavakanzwa kuzivisa kwacho vakabva vatoenda.
CHIDZIDZO 73
Johani Anogadzirira Jesu Nzira
Paanokura, Johani anova muprofita. Anodzidzisa kuti Mesiya ari kuuya. Vanhu vanoita sei pavanonzwa achiparidza?