Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusuma Chikamu 14

Kusuma Chikamu 14

VaKristu vepakutanga vakaparidza mashoko akanaka eUmambo kusvikira kunyika dziri kure chaizvo. Jesu akavaudza kwekuparidzira uye akaita chishamiso chekuti vagone kudzidzisa vanhu nemitauro yavo. Jehovha akavapa ushingi uye simba rekukunda kutambudzwa zvine utsinye.

Jesu akaita kuti muapostora Johani aone kubwinya kwaJehovha. Pane zvimwe zvaakaratidzwa, Johani akaona Umambo hwekumatenga huchikunda Satani uye huchigumisa kutonga kwake zvachose. Akaonawo Jesu achitonga saMambo aine vamwe 144 000. Johani akaonawo nyika yese ichiva paradhiso, uye vanhu vese vachinamata Jehovha murugare uye vakabatana.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHIDZIDZO 94

Vadzidzi Vanopiwa Mweya Mutsvene

Mweya mutsvene wakavapa simba rekuita zvishamiso zvipi?

CHIDZIDZO 95

Hapana Chaigona Kuvamisa

Vatungamiriri vezvitendero vakaurayisa Jesu, uye iye zvino vava kuda kumisa basa revadzidzi vake. Asi havasi kuzokwanisa kurimisa.

CHIDZIDZO 96

Jesu Anosarudza Sauro

Sauro anovenga vaKristu uye anovarwisa asi iye zvino ava kuda kuchinja.

CHIDZIDZO 97

Koneriyasi Anopiwa Mweya Mutsvene

Nei Mwari atuma Petro kumba kwemurume uyu asiri muJudha?

CHIDZIDZO 98

ChiKristu Chinoenda Kumarudzi Akawanda

Muapostora Pauro neshamwari dzake mamishinari vanotanga kuparidza kunyika dziri kure.

CHIDZIDZO 99

Murindi Wejeri Anodzidza Chokwadi

Dhimoni, kudengenyeka kwenyika uye bakatwa, zvese izvi zvinopinda papi munyaya iyi?

CHIDZIDZO 100

Pauro naTimoti

Varume vaviri vacho vakashanda pamwe chete seshamwari neshamwari kwemakore akawanda.

CHIDZIDZO 101

Pauro Anoendeswa kuRoma

Rwendo rwacho rwune ngozi, asi hapana chinotadzisa muapostora uyu kuita basa rake.

CHIDZIDZO 102

Zvakaratidzwa Johani

Jesu anomuratidza zviono zvinotevedzana zvezvichaitika mune ramangwana.

CHIDZIDZO 103

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

Bhuku raZvakazarurwa kuna Johani rinoratidza kuti Umambo hwaMwari huchachinja sei upenyu hwevanhu panyika.