Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 3

Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

(Zvirevo 14:26)

  1. 1. She Jehovha, tokutendai

    netariro yedu.

    Inotifadza zvikuru.

    Toda vese vanzwe.

    Asi tinombozvidya mwoyo,

    tobva tatanga kutya.

    Tariro yaimbopfuta

    inenge yodzima.

    (KORASI)

    Ndimi simba redu, tovimba nemi.

    Munotipa zvatinoda.

    Patinoparidza, tine chivimbo

    nekuti tovimba nemi.

  2. 2. She Jehovha, tipei mwoyo

    usingakanganwi

    kuti munotinyaradza

    patinoomerwa.

    Pfungwa idzi dzinosimbisa

    dzokuchidzira moto.

    Toshingiswa kutaura

    nezvezita renyu.

    (KORASI)

    Ndimi simba redu, tovimba nemi.

    Munotipa zvatinoda.

    Patinoparidza, tine chivimbo

    nekuti tovimba nemi.