Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 10

Rumbidzai Jehovha, Mwari Wedu!

Rumbidzai Jehovha, Mwari Wedu!

(Pisarema 145:12)

  1. 1. Murumbidzei Jehovha!

    Zita rake riziviswe!

    Zuva rake rava pedyo,

    Vanhu vese ngavate’rere.

    Jehovha ati nguva yasvika

    Yekuti Dangwe rikunde.

    Chiudzai vanhu zvinhu zviri

    Kuunzwa naMwari wedu!

    (KORASI)

    Murumbidzei Jehovha!

    Zivisai ukuru hwake!

  2. 2. Murumbidzei! Imbai!

    Imbirai zita rake!

    Nemwoyo inomuonga,

    Ukuru hwake tozivisa.

    Mabasa ake makuru asi

    Anongozvininipisa.

    Baba vanoziva zvatinoda;

    Vanotinzwa tikadana.

    (KORASI)

    Murumbidzei Jehovha!

    Zivisai ukuru hwake!