Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 12

Mwari Mukuru, Jehovha

Mwari Mukuru, Jehovha

(Eksodho 34:6, 7)

  1. 1. Mwari Jehovha, makakodzera

    Kurumbidzwa zvikuru,

    Makarurama m’zvese.

    Mune simba, rudo, uchenjeri.

    Muri Mwari narini.

  2. 2. Baba, m’notinzwira tsitsi huru.

    Asi tingori ivhu;

    M’nonzwa patinochema.

    Munotidyisa, m’notidzidzisa!

    Tinobatsirwa nemi.

  3. 3. Denga nenyika zvokukudzai.

    Nesu toimba kwazvo,

    Tichikurumbidzai.

    Jehovha makakodzera kuti

    Zita renyu rikudzwe.