Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 20

Makatipa Mwanakomana Wenyu Anokosha

Makatipa Mwanakomana Wenyu Anokosha

(1 Johani 4:9)

  1. 1. Jehovha, takanga

    Tisina tariro.

    Nerudzikinuro

    Ta’ne tariro!

    Tokushumirai,

    Zvichibva pamwoyo.

    Toudzawo vamwe,

    Nezvekuda kwenyu.

    (KORASI)

    Makatipa Jesu

    Ta’kuimba rwiyo.

    Hatimiri kuimba

    Makatipa Mwana wenyu.

  2. 2. Nemutsa, nengoni,

    Tova pedyo nemi.

    Ushamwari nemi,

    Tohufarira.

    Kupfuura zvese

    Ndicho chipo chenyu.

    Chekutuma Jesu,

    Kuzofira isu.

    (KORASI)

    Makatipa Jesu

    Ta’kuimba rwiyo.

    Hatimiri kuimba

    Makatipa Mwana wenyu.

    (MHEDZISO)

    Jehovha, She wedu, makaita zvenyu.

    Tinokutendai nekupa Mwana wenyu.

(Onawo Joh. 3:16; 15:13.)