RWIYO 22
Umambo Hwavapo—Ngahuuye!
-
1. Jehovha, makangogara
muripo narini.
Makapa Jesu chigaro;
Makati atonge.
Ushe hwaJesu hwazvarwa;
Huchatonga pasi rese.
(KORASI)
Zvino zvaitika,
Ruponeso neumambo.
Umambo hwavapo.
“Ngahuuye, Ngahuuye!”
-
2. Satani haana nguva;
Zvinhu zvichachinja.
Kunyange tichitambura,
Totarisa mberi.
Ushe hwaJesu hwazvarwa;
Huchatonga pasi rese.
(KORASI)
Zvino zvaitika,
Ruponeso neumambo.
Umambo hwavapo.
“Ngahuuye, Ngahuuye!”
-
3. Ngirozi dzinopembera
kudenga nem’faro.
Satani nenhema dzake,
adzingwa kudenga.
Ushe hwaJesu hwazvarwa;
Huchatonga pasi rese
(KORASI)
Zvino zvaitika,
Ruponeso neumambo.
Umambo hwavapo.
“Ngahuuye, Ngahuuye!”
(Onawo Dhan. 2:34, 35; 2 VaK. 4:18.)