Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 27

Kuratidzwa Kwevanakomana vaMwari

Kuratidzwa Kwevanakomana vaMwari

(VaRoma 8:19)

  1. 1. Mwari a’kuzoratidza

    Vanenge vakunda.

    Vachanotonga naKristu

    Sevana vaMwari.

    (KORASI)

    Vanakomana vaMwari

    Va’kuzoratidzwa.

    Vachakunda pamwe naShe,

    Vodya nhaka naye.

  2. 2. Vaya vachiri panyika

    A’kuzovadana.

    Kristu, Ishe wemadzishe,

    Achatora vake.

    (KORASI)

    Vanakomana vaMwari

    Va’kuzoratidzwa.

    Vachakunda pamwe naShe,

    Vodya nhaka naye.

    3. Pamwe naShe, vacharwawo

    Pahondo yaMwari.

    Vozochata neGwayana,

    Vofara narini.

    (KORASI)

    Vanakomana vaMwari

    Va’kuzoratidzwa.

    Vachakunda pamwe naShe,

    Vodya nhaka naye.