Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 35

‘Zvinhu Zvinokosha Kupfuura Zvimwe’

‘Zvinhu Zvinokosha Kupfuura Zvimwe’

(VaFiripi 1:10)

  1. 1. Tinoda kunzwisisa chokwadi,

    Tizive zvinokosha.

    Zvinokosha kupfuura zvimwe;

    Izvozvo tizviite!

    (KORASI)

    Tide zvakanaka chete,

    Tifadze She.

    Tinokomborerwa tikadzidza,

    Tikaziva,

    Toita zvinhu zvinokosha.

  2. 2. Hapana chingakosha kupfu’ra

    Kuparidza Umambo,

    Kutsvaga vanoda chokwadi

    Tichivaratidza nzira.

    (KORASI)

    Tide zvakanaka chete,

    Tifadze She.

    Tinokomborerwa tikadzidza,

    Tikaziva,

    Toita zvinhu zvinokosha.

  3. 3. Tikaita zvinhu zvinokosha,

    Tichafara pamwoyo.

    Rugare rwukuru rwucharinda

    Pfungwa dzedu nemwoyo.

    (KORASI)

    Tide zvakanaka chete,

    Tifadze She.

    Tinokomborerwa tikadzidza,

    Tikaziva,

    Toita zvinhu zvinokosha.