Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 48

Kufamba naJehovha Zuva Nezuva

Kufamba naJehovha Zuva Nezuva

(Mika 6:8)

  1. 1. Tofamba naBaba vedu

    Mazuva ese eupenyu.

    Vane mutsa zvakanyanya

    Kuvanotsvaga nzira dzavo.

    Nerudo vanoda kuti

    Tivabate ruoko.

    Saka tozvitsaurira;

    Tichitsigira Jehovha.

  2. 2. Mugumo zvawava pedyo

    Satani akatsamwa kwazvo,

    Tinoshorwa kakawanda.

    Tingatya todzokera shure.

    Mwari anodzivirira;

    Ngative pedyo naye,

    Timushumire narini.

    Timude tisatsauka.

  3. 3. Mwari anotibatsira

    Nemweya wake uye Shoko,

    Neungano yechiKristu,

    Neminyengetero ya’nonzwa.

    Tese achatibatsira

    Tiite zvakanaka,

    Tifambe takavimbika

    Uye tizvininipise.