Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 52

Kuzvitsaurira kwechiKristu

Kuzvitsaurira kwechiKristu

(VaHebheru 10:7, 9)

  1. 1. Jehovha zvaari iye

    Musiki wezvese,

    Pasi nedenga ndezvake,

    Zvakaitwa naye.

    Akafemera upenyu;

    Zvisikwa zvoona

    Kukodzera kwake kukudzwa

    Pamwe nekunamatwa.

  2. 2. She paakabhabhatidzwa

    Akanyengetera:

    ‘Ndauya kuti ndiite

    kuda kwenyu Mwari.’

    Akabuda muJodhani,

    Ava muzodziwa.

    Akati kuna Baba vake:

    ‘Kuda kwenyu kuitwe.’

  3. 3. Tauya kwamuri Mwari,

    Tokurumbidzai.

    Tinozviramba zvachose,

    Tozvitsaurira.

    Makatipa dangwe renyu

    Kutidzikinura.

    Hatichambozviraramiri,

    Toraramira imi.