Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 64

Kuita Basa Rekukohwa Tichifara

Kuita Basa Rekukohwa Tichifara

(Mateu 13:1-23)

  1. 1. Kuva munguva yekukohwa,

    Rukudzo rukuru chose.

    Gorosi rese ratoibva,

    Tonakidzwa nekukohwa.

    Jesu muenzaniso wedu,

    Otungamirira basa.

    Tinonzwa tichifara zvikuru

    Tichikohwa pamwe naye.

  2. 2. Kuda Mwari nem’vakidzani

    Kwoita tikurumidze.

    Kuparidza nekudzidzisa,

    Hatisi kumbononoka.

    M’faro watinowana chipo;

    Kukomborerwa naMwari.

    Nekutenda hatiregi basa,

    Tozopiwa mubayiro.