Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 71

Tiri Uto raJehovha!

Tiri Uto raJehovha!

(VaEfeso 6:11-14)

  1. 1. Tiri uto raMwari,

    Pasi paKristu.

    Kunyange tichishorwa,

    Hatidzoki shure.

    Takatendeka kwa’ri

    Pakuparidza.

    Takatsunga mwoyo,

    Hatitombotyi.

    (KORASI)

    Tiri uto raMwari;

    Pamwe naKristu,

    Tozivisa kuti:

    “Mwari otonga.”

  2. 2. Toenda kunotsvaga

    Makwai ake;

    Aya akarasika,

    Ari kungochema.

    Tovashanyira uye

    Tovadzidzisa;

    Tovati: ‘Huyai

    Kumisangano.’

    (KORASI)

    Tiri uto raMwari;

    Pamwe naKristu,

    Tozivisa kuti:

    “Mwari otonga.”

  3. 3. Iuto raJehovha,

    Kristu pamberi.

    Rashongedzera hondo,

    Vese vakashinga.

    Tive vakachenjera,

    Takarurama.

    Tikatyisidzirwa

    Tichatendeka.

    (KORASI)

    Tiri uto raMwari;

    Pamwe naKristu,

    Tozivisa kuti:

    “Mwari otonga.”