RWIYO 72
Kuzivisa Chokwadi cheUmambo
-
1. Pane pataisaziva
Kurarama kwechiKristu.
Jehovha ndokutuma
Chokwadi chake semwenje.
Takaziva kuda kwake;
Tibvume Umambo hwake,
Tizivise nezvake,
Tirumbidze zita rake dzvene.
Tinoparidzira vese
Pamasuo nemunzira.
Tishandise nguva yedu
Vadzidze, vasunungurwe.
Patinoparidza m’nyika,
Vanamati vowedzera.
Tishumire Jehovha
Kusvikira azoti zvakwana.
(Onawo Josh. 9:9; Isa. 24:15; Joh. 8:12, 32.)