RWIYO 73
Tipeiwo Ushingi
-
1. Tinoparidza Umambo,
Pamwe nezita renyu.
Vazhinji vanotishora
Kuti vatinyadzise.
Asi hatimbovatyi,
Watinoterera ndimi.
Tipeiwo simba, tapota;
She Jehovha tinzweiwo.
(KORASI)
Tizadzei neushingi,
Kuti tirege kutya.
Titaure nechivimbo
Nyika yese izvinzwe.
Hondo yenyu yaswedera,
Asi takaimirira.
Tizadzei neushingi,
Takumbira.
-
2. Kunyange tinganzwa kutya,
Munoziva tiri ‘vhu.
Imi muchatitsigira
Sezvamakavimbisa.
Inzwai kutaura
Kwevanotityisidzira.
Tibatsirei tisarega
Kutaura neushingi.
(KORASI)
Tizadzei neushingi,
Kuti tirege kutya.
Titaure nechivimbo
Nyika yese izvinzwe.
Hondo yenyu yaswedera,
Asi takaimirira.
Tizadzei neushingi,
Takumbira.
(Onawo 1 VaT. 2:2; VaH. 10:35.)