Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 74

Uyai Tiimbe Rwiyo rweUmambo!

Uyai Tiimbe Rwiyo rweUmambo!

(Pisarema 98:1)

  1. 1. Urwu rwiyo rwem’faro wekukunda;

    Rwunokudza Iye mukurusa.

    Rwunopa tariro, rwotisimbisa.

    Ngatiimbei nezveUmambo:

    (KORASI)

    ‘Ngatinamatei Mwari.

    Mwana wake ava Mambo!

    Uyai tidzidze rwiyo rweUshe;

    Gwadamai, rumbidzai Mwari.’

  2. 2. Urwu rwiyo rwozivisa Umambo.

    Jesu Kristu anotonga nyika.

    Rudzi rutsva rwevachatonga naye

    Runobvuma Umambo ruchiti:

    (KORASI)

    ‘Ngatinamatei Mwari.

    Mwana wake ava Mambo!

    Uyai tidzidze rwiyo rweUshe;

    Gwadamai, rumbidzai Mwari.’

  3. 3. Urwu rwiyo vanyoro vorwugona.

    Rwakajeka uye rwunofadza.

    Nyika yese vazhinji vorwudzidza,

    Vari kukoka vamwe vachiti:

    (KORASI)

    ‘Ngatinamatei Mwari.

    Mwana wake ava Mambo!

    Uyai tidzidze rwiyo rweUshe;

    Gwadamai, rumbidzai Mwari.’