Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 75

“Ndiri pano! Nditumei!”

“Ndiri pano! Nditumei!”

(Isaya 6:8)

  1. 1. Nhasi vanhu vanozvidza

    Zita dzvene raJehovha.

    Vamwe voti muurayi.

    “Haako!” benzi rodaro.

    Ndiani angam’chenesa,

    Am’rumbidze vese vanzwe?

    (KORASI 1)

    ‘Ndiri pano! Nditumei!

    Ndichaimba ndorumbidza.

    Chikomborero chikuru.

    Ndiri pano! Nditumei.’

  2. 2. Vamwe voti anonoka.

    Havazivi kutya Mwari.

    Vanonamata zvidhori;

    Vamwe vokudza Kesari.

    Ndiani ovanyevera

    Nezvehondo yake Mwari?

    (KORASI 2)

    ‘Ndiri pano! Nditumei!

    Ndinyevere ndisingatyi.

    Chikomborero chikuru.

    Ndiri pano! Nditumei.’

  3. 3. Nhasi vanyoro vochema;

    Uipi hwacho hwanyanya.

    Vanogomera votsvaga

    Chokwadi chopa rugare.

    Ndiani anganyaradze

    Vanotsvaga kururama?

    (KORASI 3)

    ‘Ndiri pano! Nditumei!

    Ndidzidzisewo vanyoro.

    Chikomborero chikuru.

    Ndiri pano! Nditumei.’