RWIYO 85
Gamuchiranai
-
1. Titambire, mese matitsika
Kuti munzwe Shoko raMwari.
Anopa chokwadi cheupenyu;
Tiri pano, tinotenda atikoka.
-
2. Totenda Mwari nehama idzi,
Dzatigamuchira nem’faro.
Tikoshese vanhu vakadaro,
Titambirewo vamwe vauya pano.
-
3. Mwari anokoka munhu wese,
Vanoda vowana chokwadi.
Otikwevera kudivi rake.
Nemwoyo wese ngatigamuchirane.
(Onawo Joh. 6:44; VaF. 2:29; Zvak. 22:17.)