Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 87

Uyai Muzorodzwe!

Uyai Muzorodzwe!

(VaHebheru 10:24, 25)

  1. 1. Tiri munyika isingadzoreki;

    Haizivi nezvaMwari.

    Tinoda kutungamirwa naMwari;

    Hatingambokundi tega.

    Misangano yedu inozorodza;

    Inosimbisa kutenda.

    Inotikurudzira zvakanaka,

    Uye inotipa simba.

    Inotidzidzisa zvakarurama;

    Tinobva tada chokwadi.

    Hatizoregi zvinoda Jehovha;

    Tichaita kuda kwake.

  2. 2. Jehovha anoziva zvatinoda;

    Ngatimuteererei.

    Ngatitenge nguva yekuungana

    Tiratidze uchenjeri.

    Patinodzidziswa nehama dzedu,

    Ticharatidza kutenda.

    Tinoziva kuti hatisi tega,

    Hama dzinotitsigira.

    Tichimirira nguva iri nani,

    Ngatiunganei nadzo.

    Tinobva tadzidziswa kurarama

    Neuchenjeri hwaMwari.