Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 90

Kurudziranai

Kurudziranai

(VaHebheru 10:24, 25)

  1. 1. Sezvatinokurudzirana

    Kushumira She Jehovha,

    Rudo rwedu rwunosimbiswa,

    Tova nerugare tese.

    Rudo rwevanhu vaJehovha

    Rwunotishingisa tese.

    Ungano utiziro hwedu,

    Nzvimbo isina chekutya.

  2. 2. Shoko rataurwa panguva

    Rinonyaradza zvikuru.

    Shamwari dzedu dzatinoda

    Ndidzo dzinotinyaradza.

    Tinofara kushanda pamwe

    Nevane tariro sesu.

    Tinoedza kusimbisana,

    Tichibatsirana tese.

  3. 3. Nekutenda tiri kuona

    Zuva raShe richisvika.

    Tinoda kuungana pamwe,

    Tirambe tiri mugwara.

    Tichamushumira narini,

    Pakati pevanhu vake.

    Tese ngatikurudzirane,

    Kuramba takaperera.