Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 100

Vagamuchirei Nerudo

Vagamuchirei Nerudo

(Mabasa 17:7)

  1. 1. Jehovha ane mutsa zvechokwadi.

    Anopa vese asingasaruri.

    Tese anotipa mvura uye zuva,

    Nekudya kunofadza mwoyo.

    Pese patinobatsira varombo,

    Tinenge tichitevedzera Mwari.

    Baba vachatipa m’bayiro mukuru,

    Tikaitira vamwe mutsa.

  2. 2. Patinobatsira vanoshayiwa,

    Tingasaziva zvinozoitika.

    Tingasavaziva, asi tinovada.

    Tinovapawo zvavanoda.

    SaRidhiya toti: ‘Pindai mumba.’

    Vava mumba medu, vanozorodzwa.

    Baba vanoona munhu wese zvake,

    Anoitira vamwe ngoni.