Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 111

Zvinoita Kuti Tifare

Zvinoita Kuti Tifare

(Mateu 5:12)

  1. 1. Zvinotifadza zvakawanda,

    Zvinowedzera sepfuma.

    Zvinokosha zvendudzi dzese

    Zviri kubatana nesu.

    Kufara kwedu kwakadzama

    Kunobva muBhaibheri.

    Tinogara tichiridzidza,

    Tanzwa, tova nekutenda.

    Mufaro wedu watinawo

    Unobva pasi pemwoyo.

    Kunyange patinotambura,

    Tinotsungiswa naMwari.

    (KORASI)

    Tinofadzwa naJehovha,

    Tofarira basa rake.

    Ibasa guru, rinoratidza

    Kunaka kwake nesimba!

  2. 2. Patinoona zvakasikwa,

    Matenga, gungwa nenyika.

    Taona bhuku rezvisikwa,

    Zvoita timurumbidze.

    Tobudirira kuparidza,

    Tichizivisa Umambo.

    Tinofara kuhuzivisa,

    Pamwe nekugadzwa kwahwo.

    Kufara zvachose kwasvika

    Sechiedza pane rima.

    Munyika nematenga matsva

    Tichafaramo narini.

    (KORASI)

    Tinofadzwa naJehovha,

    Tofarira basa rake.

    Ibasa guru, rinoratidza

    Kunaka kwake nesimba!