RWIYO 124
Ngatirambei Takavimbika
-
1. Tivimbike kuna Mwari,
Timude zvakadzama.
Zvatakazvitsaurira,
Tinoda mirayiro.
Zano rake rakanaka,
Tinoriteerera.
NdiMwari akavimbika,
Hatizombomusiyi.
-
2. Takavimbika kuhama
Padzinomboomerwa.
Tinoramba tichidzida,
Mushoko nechiito.
Dzese todziremekedza
Kubva pasi pemwoyo.
Tova shamwari dzapedyo,
Hatizombodzirambi.
-
3. Tivimbe nehama dzedu
Padzinotungamira.
Dzatiudza zvekuita,
Tinyatsoteerera.
Chikomborero nesimba
Achatipa Jehovha.
Tavimbika, tatendeka,
Tichava vaJehovha.
(Onawo Pis. 149:1; 1 Tim. 2:8; VaH. 13:17.)